[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Kundengenyeka kwenyika

Kubva Wikipedia
Dzokororo sekubva 11:17, 22 Kubvumbi 2013 na Addbot (ereketa | zvinzatu) (Bot: Migrating 1 interwiki links, now provided by Wikidata on d:q7944 (translate me))

Kundengenyeka kwenyika (earthquake) chiitiko chekuti nyika inondengenyeka ichizunguzika pasi pachifamba.

  • Nyika yatigere yakawumbwa nehwendefa dzemabwe dzakawarikwa dzichivhara matunhu Pasirose. Hwendefa idzi dzine mitswe nehwangwadza pakati padzo.
  • Hwendefa idzi dzigere pamusoro pemabwe anokwata nekupisa. Hujoto hunosiyana munzvimbo dziri pamatunhu akasiyana; nokudaro hwendefa idzi dzinotambanuka kana hujoto hwakwira nokudzoka kana hwaderera.
  • Mukufamba uku imwe nguva dzinokwesherana dzichitsvedza zviri nyore; imwe nguva dzinokochekerana dzoita mangange poshaya hwendefa inofamba. Zvadai fosi inosunda hwendefa idzi inoramba ichikwira padzinenge dzakarumana kudaro.
  • Panozosvikwa nguva yekuti nzvimbo dzakabatana hadzichagona dzakurirwa nefosi iri kusunda. Ipapo hwendefa dzinopfutunuka dzotsukunyuka dzichibandana, kupetana nokukonzera kundengenyeka kwenyika. Panguva imwe cheteyo mabwe akanyauka ari pasi pehwendefa idzi anokwanisa kusimuka achiwana mukana wazaruka pamitswe inenge yawedzera kushama. Mabota emabwe aya anozotubuka panyika achive chikwatamabwe.

Nhoroondo

Mugore ra2011 mumwedzi waMarch nyika yeJapan yakaita kudengenyeka kwenyika kwakasumudza mvura kubva mugungwa ikaita mafashama padunhu. Chiitiko ichi chakaparadza zvivakwa zvizhinji nehupenyu hwevanhu.

KuChamhembe kweAfrica kundengenyeka kwenyika kushoma; mugore ra2001 South Africa, Botswana neZimbabwe dzakanzwawo kundengenyeka kwenyika asi hapana zvivakwa zvakaparadzwa. Padambudziko iri musiki wakati ropafadza mudunhu reAfrica.