[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Nyuchi

Kubva Wikipedia
Nyuchi

Nyuchi kapembenene kanogadzira huchi kanowanikwa muAfrica uye kune zvimwe zviwumbe zvinosanganisira Asia, Europe, North America¸ neSouth America.

Mhora kana kuti ndamo (beeswax) zvinoreva izvo zvakagadzira midende inovakwa nenyuchi kuti dziise huchi hwadzo.

Rumborera, mborera kana horera (stinger) inhengo yenyuchi inopfonda ichipinda pasi peganda remunhu.

Donganyuchi mukono wenyuchi; idzi nyuchi hadzina rumborera uye hadzibate basa rekuunganidza mhodzi kana nectar. Basa radzo kutanda hadzi kuti dziite vana.

Basi, pasi nhonhongora mhubudza (Small stingless bee living in trees) imhando yenyuchi isingarume inogara mumiti.

Hwodza, bocha kana monga (Bee: stingless, living in termite mounds) imhando yenyuchi isingarume inogara muguru pachuru.

Bupira kana bute zvinoreva nyuchi zhinji dziri kubhururuka - an abundance of flying insects, a swarm.

Mukuze (a large group of bees, moving together).

Ruora (sting of a bee) zvichireva pakarumwa nenyuchi. Pahuwandunzvonzi mhora.

Sikitira, zikitira kana mbukusuru (mark of sting or bite on swollen flesh)

Kutota (to suck as bees on flowers) zvichireva kusveta sezvinoita nyuchi pamaruva. Zvichida izwi iri rinotodzan nezita Nyatsimba Mutota

  • Mudzinga (Bees' nest with long approach from which honey is taken for some years in succession).


  • Gonera kana mhako (bees nest among rocks) kureva dendere renyuchi riri pakati pematombo.

Kurerutsa Mutauro

  • Mudza (1. Inaccessible place. 2. Space below raised building).
  • Nyuchi dziri mudza: the bees are in an inacessible place (i e in space between two stones, to which hand cannot penetrate).
  • Uya nekasha riri mudza meguyo: fetch the snuffbox from under the grindstone.
  • Nyuchi mumukoko dzinorarama nemukowozanwa, dzichibatirana mabasa.

Bumha kana bumhira (swarm of insects) zvinoreva kuwungana kwezvinhu zvidiki zvakafanana. Vamwe vatauri vanoti bunguzeze kana pungu. Somuenzaniso kune bumha renyuchi kana bumha remago. Ko chipungu zvinorevei?