[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Unguja

Kubva Wikipedia
Unguja
Zitamusere: Chitsuwa che Zanzibhari
Tarachisi
Makoodhineti: 6°08′S 39°20′ECoordinates: 6°08′S 39°20′E
Gurutsuwa: Gurutsuwa re Zanzibhari
Ruwa: 1,666 km2 (643 sq mi)
Hurefu: 85 km (52.8 mi)
Hupamhi: 30 km (19 mi)
Highest elevation 195 m (640 ft)
Highest point Unnamed point in the Koani chain
Adhiministresheni
Tanzania
Rhijoni Zanzibhari
Taravanhu (dhemogirafi)
Huwandu: 896,721 (2012)

Unguja (inozivikanwa futi se "Chitsuwa cheZanzibhari" kana kungoti "Zanzibhari", muChigiriki cheKare: Μενουθιάς, Menuthias – se zvakataurwa mun'wadhi rokuti Periplus of the Erythraean Sea) ndicho chitsuwa chakanyanya kukura uye chinehuwandu hwevanhu hwakawanda regurutsuwa reZanzibhari, muTanzania.

Tarisai: Nhoorondo ye Zanzibhari

Unguja chitsuwa chine makomo, anenge 85 makiromita (53 mamaira) kureba (kuchamhembe-maodzanyemba) uye 30 makiromita (19 mamaira) upamhi (kumabvazuva-kumavirira) upamhi hwayo, ine nzvimbo yakazara inosvika 1,666 mativi emakiromita (643 mativi mamaira). Iri muhafu yekuchamhembe kwegurutsuwa re Zanzibhari, muGungwa reIndiya, anenge 59 makiromita (37 mi) maodzanyemba kwechigurutsuwa chipiri, Pemba. Unguja uye nyikahuru Tanzania zvakaparadzaniswa nemuronga weZanzibhari.

Unguja yakakomberedzwa nechiverengero chezvitsuwa zvidiki nezvitsuwa, zviviri chete zvacho, Tumbatu ne Uzi, zvichigarwa. Zvimwe zvitsuwa zvidiki zvakapoteredza Unguja zvinosanganisira Bawe, Chapwani, Changuu, Chumbe, Kizingo, Kwale, Fungu Kizimkazi, Mautani, Miwi, Mnemba, Mwana waMwana, Nianembe, Popo, Pungume, uye Ukanga.