[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Nhungu

Kubva Wikipedia

Nhungu (Shack in English) imba inovakwa kumunda inoshandiswa pakunge munhu oda kutiza mvura inonaya, kuwana mumvuri, kana pakudya. Kazhinji chivakwa ichi chaivakwa chine denga chete pasina madziro kana kuti chiine madziro ane mapango asina kudzirwa. Vamwe vatauri kune mamwe matunhu vanodana nhungu vachiti gotekwa kana kuti dumba.

Pakutaura kwanhasi tinogona kuti imba dzinoshandiswa nana hudhu pagedhi inhungu zvakare nokuti chinangwa chikuru kuhwanda kubva kuzuva. Saka inonzi "shack" kuchirungu inenge yonzi nhungu.

Mamwe Mazwi

  • Duka (take shelter for a short time). Fanoduka pano. Take shelter here for a short time.
  • Nhungo kana mharuparu (rafter; strut; one of the sloping members in frame of roof).
  • Chisana (Small, high, Roofed platform for guardian of a cultivated field).
  • Muchacha (Booth in a field). Zvichida ndipo panobva zita rinonzi Machacha?

Kurerutsa Mutauro

Mitauro yeBantu

  • Vatauri veHerero vanoti tunga (build; fabricate). Vanobva vati omutunge (builder; mason). Mudunge izita remhuri.
  • Vatauri veHerero vanoti okutunga (fabrication).