[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Nhungu

Kubva Wikipedia
Dzokororo sekubva 11:09, 22 Kubvumbi 2013 na Addbot (ereketa | zvinzatu) (Bot: Migrating 11 interwiki links, now provided by Wikidata on d:q6502413 (translate me))

Nhungu (Shack in English) imba inovakwa kumunda inoshandiswa pakunge munhu oda kutiza mvura inonaya, kuwana mumvuri, kana pakudya. Kazhinji chivakwa ichi chaivakwa chine denga chete pasina madziro kana kuti chiine madziro ane mapango asina kudzirwa. Vamwe vatauri kune mamwe matunhu vanodana nhungu vachiti gotekwa kana kuti dumba.

Pakutaura kwanhasi tinogona kuti imba dzinoshandiswa nana hudhu pagedhi inhungu zvakare nokuti chinangwa chikuru kuhwanda kubva kuzuva. Saka inonzi "shack" kuchirungu inenge yonzi nhungu.