[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Muzasedimbu

Kubva Wikipedia
y na x zvine muzasedimbu wekuteverana.

Muchidzidzo masvomhu, izwi rokuti muzasedimbu (Proportionality in English) rinotaurwa kana huwandu hwechinhu hune hukama huri pachikamu kana kuti dimbu rohuwandu hwechimwe chepiri. Ngatitii munhu anoshanda pabasa panobhadhara $60 pazuva (8hr). Kana akashanda 6 awa anenge akafanirwa kubhadharwa $45 kana kuti (60 x 6/8) nokuti ashanda dimbu rezuva chete. Iyi ndiyo mari inoyenderana nenguva yaashanda. Akashandawo 4 awa, anenge akafanirwa kubhadharwa $30 kana kuti (60 x 4/8). Saka apa mubhadharo unopiwa semuzasedimbu wemari yepazuva rose rokubata basa (8hrs). Kutaura kwekuti muzasedimbu kunorevera kuti huwandu hwemari yabhadharwa hunofananidzwa nemari yekushanda zuva rose nedimbu rinonyorwa patsazaniso sezvizvi:


Mari yabhadharwa = (Mari yepazuva x Nguva yashandwa)/(Nguva yekushandwa pazuva) = (60 x N) x 1/(8)


Kureva kuti chikamu chezuva chinobhadharwa chichitevera chivavatara chemuzasedimbu 1/8, apa N anomirira awa dzashandwa pazuva. Munhu achinge ashanda zuva rose (8hr) anowana chikamu (8/8 = 1) chemari yepazuva, inova (60 X 1)


Kupiwa kwezita

Shoko rokuti kuza rinoreva kuuya. Izwi iri rinowanikwa muchirevo chinoti, "Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga" - kuza neronga, kureva kuti chinouya makare murwizi. Mamwe mazwi anoshandisa vara rokuti kuza ndeaya anotevera:

  • Muzamhindo - kureva anouya nerima (mhindo) kana anouya murima.
  • Muzanarwo - zvichinyanya kureva anouya narwo rufu.
  • Muzanenhamo - kureva uyo anouya nenhamo.


Kana toturikira shoko reEnglish rokuti proportion rinoreva following as portions. Kwedu kuChishona tinenge toti shoko rokuti muzasedimbu rinoreva chinouya sechidimbu chechimwe. Apa kuedza kuumba mutauro wokuti titaure zvatinoziva nokunzwisisa kare zvatakadzidza neEnglish kuti tichiisawo kumutauro wekwedu. Nokumwe kutaura tinokwanisa kudanidza kuti muzamuzvikamu.


Mhando dzeMuzasedimbu

Apa x na y zvine muzasedimbu wakasunama: y = 1/x Kuti pabude y panosunamiswa x kunze kwepana x = 0. Apa y ane chitirano chokutsama na x.

Muzasedimbu wekuteverana unoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchikura panokurawo huwandu hwechimwe chepiri. Somuenzaniso wapiwa pamusoro wokuti mari inobhadhrwa munhu inowanda nokuwandawo kuniota nguva yaashanda. Mumwe muzasedimbu wekutevmerana ungaonekwa ndewekuti chikafu chinodyiwa nevanhu pamabiko chinowanda nokuwanda kunoitawo vanhu vauya pamabiko.


Muzasedimbu wakusunama unoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchidzika apo panenge pachikwira huwandu hwechimwe chepiri. Somuenzaniso kana muchovha uri kuhamba kubva Harare kuenda kwaMutare, nguva inotorwa kufamba rwendo urwu inodzika apo panokwira spidhi yemuchovha. Apa tinoti spidhi nenguva yerwendo zvine muzasedimbu wakasunama. Kana pachisakurwa maricho, nguva inotorwa kusakura munda acre rimwe inodzika kana huwandu hwevanhu vari kushanda maricho huchikwira. Apa zvakare nguva yekusakura nehuwandu hwevanhu zvine muzasedimbu wakasunama.