Dzihwa
Mataridziko
Dzihwa (mucous in English) zvinoreva mutuvi unobuda mumhuno zvikurusei kana munhu apindwa nechando kana kuti achirwara nechipfuva. Dzihwa rinowanikwawo pamuronga wechikafu richibatsira kuti chikafu chidzike nemuronga uyu zviri nyore.
Mazwi eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Bushong inoti lutonga (n. mucus from nose) kureva madzihwa. Kidawida inoti mafuri (n. mucus) kureva dzihwa.
- Baila vanoti ku fula (n. blow) kureva kufura kana kufuridza.
- VaNyungwe, Baila neVaTonga vanoti mamina (n. snot, nasal mucus) kureva madzihwa.
- VaKongo vanoti fula (n. to blow with breath) kureva kufuridza.