[go: up one dir, main page]

Svetuka kuchirochemo

Nungu

Kubva Wikipedia
The printable version is no longer supported and may have rendering errors. Please update your browser bookmarks and please use the default browser print function instead.
Nungu

Nungu, njenje kana ngara (porcupine in English) imhuka iri mumhuri yemakonzo inozivikanwa nekuva neminzwa yainokana inobaya. Nungu inoti kana chikara chasvika pedyo inokanda minzwa iyi inoti kana imbwa dzinotya kusvika pedyo nenungu.

Vatauri vadzimwe nzvimbo vanoti gwewewe kana gungumbani.

Magariro

Nungu dzinowanikwa muAfrica, Asia uye South neNorth America. Mhuka idizi dzinowanikwa mumasango; mugwenga; muzasi memakomo uye munzvimbo dzine matombo.

Panoda kujekeswa kuti nungu ndiyo ngara here?

Mitauro yeBantu

  • Baila vanoti chaminungwe (porcupine) kureva nungu. Swahili, Digo vanoti nungu (porcupine) kureva nungu.
  • VaNyoro vanoti enyamunungu kureva nungu. VaGungu vanoti nyamunungu kureva nungu.
  • Lenje vanoti munungu (quill of porcupine) kureva munungu. VaDigo vanoti nungumariya (n. hedgehog).
  • VaSangho vanoti lele (n. porcupine) kureva nungu. VaTaita vanoti sasa (n. porcupine) kureva nungu
  • Sesotho neSetswana vanoti noko (porcupine) kureva nungu.